Luke 24

Kumuka kwaJesu

1Zvino nemusi wekutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kuguva, vakatakura zvinonhuhwira zvavakange vagadzirira, nevamwe vanavo. 2Zvino vakawana ibwe rakakunguruswa kubva paguva. 3Vakabva vapinda vakasawana mutumbi waIshe Jesu. 4Zvino vakati vakakanganiswa kwazvo nazvo, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo vakapfeka nguvo dzinopenya; 5zvino vachiri kutya, ndokukotamisa zviso pasi, varume vakati kwavari: Munotsvakirei mupenyu pavakafa? 6Haasi pano, asi wamuka; rangarirai kuti wakataura sei kwamuri achiri muGarirea, 7achiti: Mwanakomana wemunhu anofanira kukumikidzwa mumaoko evanhu vezvivi, nekurovererwa pamuchinjikwa, uye pazuva retatu amukezve. 8Zvino vakarangarira mashoko ake.

9Zvino vakadzoka vachibva kuguva, vakaudza zvinhu izvi zvese kuvanegumi neumwe nekune vamwe vese. 10Vaiva Maria Magidharini naJohwana naMaria mai vaJakobho, nevamwe vavaiva navo, vakaudza vaapositori zvinhu izvi. 11Zvino mashoko avo akaonekera sekutaura kusina maturo pamberi pavo, uye havana kuvatenda. 12Asi Petro wakasimuka akamhanyira kuguva; akakotama ndokutarira, akaona micheka yerineni yakaradzikwa yega; ndokuenda, ashamisika mukati make nezvakange zvaitika.

Jesu anosangana nevaviri vanoenda Emausi

13Zvino tarira, pazuva iroro vaviri vavo vaifamba vachienda kumusha wainzi Emausi, wakange uri masitadhia* makumi matanhatu kubva kuJerusarema. 14Zvino ivo vaitaurirana pamusoro pezvinhu izvi zvese zvakange zvaitika. 15Zvino zvakaitika kuti vachitaurirana nekubvunzana, Jesu amene wakaswedera akafamba navo, 16asi meso avo akange abatwa kuti vasamuziva. 17Zvino wakati kwavari: Mashoko ei awa amunokurukurirana muchifamba, uye makasuruvara? 18Umwe, wainzi Kiriyopasi, ndokupindura akati kwaari: Ndiwe wega mutorwa muJerusarema, uye hauziva zvakaitikamo mumazuva ano here? 19Zvino akati kwavari: Zvinhui? Ivo vakati kwaari: Zviri maererano naJesu weNazareta, waiva murume muporofita ane simba pachiito nepashoko pamberi paMwari nevanhu vese; 20uye kuti vapristi vakuru nevatongi vedu vakamukumikidza sei kuti atongerwe rufu, uye vakamuroverera pamuchinjikwa. 21Asi isu taivimba kuti ndiye waizodzikunura Israeri. Asiwo kunze kweizvi zvese, nhasi izuva retatu kubva zvaitika zvinhu izvi. 22Asi vamwewo vakadzi vekwedu vatishamisa, vanga vafumira kuguva; 23zvino vati vasingawani mutumbi wake, vauya vachiti vaona chiratidzo chevatumwawo, vati mupenyu. 24Uye vamwe vevaiva nesu vaenda kuguva, vakawanawo zvakadaro vakadziwo sezvavakange vareva; asi iye havana kumuona. 25Zvino iye akati kwavari: Haiwa imwi vekusanzwisisa, uye mune moyo ine chinono kutenda zvese vaporofita zvavakataura! 26Ko Kristu wakange asingafaniri kutambudzika nezvinhu izvi, ndokupinda pakubwinya kwake here? 27Ndokutanga kuna Mozisi nekuvaporofita vese, akadudzira kwavari mumagwaro ese zvinhu zviri maererano naye.

28Zvino vakaswedera kumusha kwavakange vachienda; iye ndokuita sewopfuurira. 29Asi vakamumanikidza, vachiti: Garai nesu, nokuti koda kuvira, uye zuva ranyura. Ndokupinda kunogara navo. 30Zvino zvakaitika agere navo pakudya, wakatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa kwavari. 31Zvino meso avo ndokuzarurwa, ndokumuziva; iye ndokunyangarika kwavari. 32Zvino vakataurirana vachiti: Moyo wedu wanga usingapisi mukati medu here paanga achitaura nesu munzira, nepaanga achitizarurira magwaro?

33Zvino vakasimuka neawa iroro, vakadzokera kuJerusarema, vakawana vanegumi neumwe vakaungana nevaiva navo, 34vachiti: Ishe wamuka zvirokwazvo, waonekwa naSimoni. 35Ivo vakarondedzera zvinhu zvakaitika munzira, uye kuti wakazikanwa navo sei pakumedura chingwa.

36Zvino vakati vachataura zvinhu izvozvi, Jesu amene wakamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri. 37Asi vakavhunduswa, vakatya, vakafunga kuti vaona mweya. 38Zvino akati kwavari: Munonetsekerei, uye mifungo inomukirei mumoyo yenyu? 39Tarirai maoko angu netsoka dzangu, kuti ndini ndomene. Ndibatei, muone, nokuti mweya hauna nyama nemafupa, sezvamunoona ndinazvo. 40Zvino wakati areva izvi akavaratidza maoko netsoka. 41Zvino vakati vachigere kutenda nekuda kwekufara vachishamisika, akati kwavari: Mune chinodyika pano here? 42Zvino vakamupa nhindi yehove yakagochwa neyezinga reuchi. 43Iye ndokutora akadya pamberi pavo.

44Zvino wakati kwavari: Awa mashoko andakataura kwamuri ndichiri nemwi, kuti zvinhu zvese zvinofanira kuzadziswa, zvakanyorwa pamurairo waMozisi, nepavaporofita nepaMapisarema maererano neni. 45Ipapo akazarura kunzwisisa kwavo, kuti vanzwisise magwaro. 46Ndokuti kwavari: Zvakanyorwa saizvozvi, saizvozvowo zvakafanira Kristu kutambudzika, nekumuka kubva kuvakafa zuva retatu, 47uye kuti kutendeuka nekanganwiro yezvivi zviparidzirwe marudzi ese muzita rake, kutanga paJerusarema. 48Uye imwi muri zvapupu zvezvinhu izvi. 49Zvino tarirai, ini ndinotuma chivimbiso chaBaba vangu pamusoro penyu; asi imwi garai muguta reJerusarema, kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.

Kukwira kwaJesu

50Zvino akavatungamirira kunze kusvikira Bhetaniya, ndokusimudza maoko ake akavaropafadza. 51Zvino zvakaitika achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga. 52Zvino vakamunamata, vakadzokera kuJerusarema vane mufaro mukuru; 53uye vakagara nguva dzese mutembere, vachirumbidza nekutenda Mwari. Ameni.

Copyright information for Shona